Wed May 01 2024 21:09:46 GMT+0100 (Western European Summer Time)

This commit is contained in:
Itai_Viegas 2024-05-01 21:09:47 +01:00
commit 1ba5b02a36
367 changed files with 797 additions and 12 deletions

1
01/01.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\c 1 \v 1 Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. \v 2  Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura.

1
01/03.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 3 Uye Mwari akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo. \v 4 Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima. \v 5  Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, uye rima akaritumidza kuti usiku. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga

1
01/06.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 6 Uye Mwari  akati: Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura. \v 7  Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo. \v 8  Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti denga.Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri

1
01/09.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 9 Uye Mwari akati: Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe. Uye zvakaita saizvozvo. \v 10  Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, nyika, uye mvura yakaungana akaiti makungwa. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka

1
01/11.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 11 Ipapo Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa, miriwo inobereka mbeu; nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana. Uye zvakaita saizvozvo. \v 12  Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. \v 13 Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu.

1
01/14.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 14 Uye Mwari akati: Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku: uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore; \v 15 uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika. Uye zvakaita saizvozvo.

1
01/16.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 16 Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku, Akaitawo nyeredzi. \v 17  Mwari akazviisa munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika, \v 18  kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. \v 19  Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.

1
01/20.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 20 Uye Mwari akati, Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga. \v 21 Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi awo: Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

1
01/22.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 22 Mwari akazviropafadza akati, Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.  \v 23 Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu.

1
01/24.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 24 Uye Mwari akati: Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu maererano namarudzi awo: zvipfuwo, zvisikwa zvinokambaira panyika, nezvikara zvesango, chimwe nechimwe nemhando yacho. Uye zvakaita saizvozvo. \v 25  Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi awo, zvipfuwo namarudzi azvo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi awo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

1
01/26.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 26 Ipapo Mwari akati, Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngaawe nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika. \v 27  Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake,akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.

2
01/28.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 28 Mwari akavaropafadza; akati kwavari: Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.
\v 29  Ipapo Mwari akati, Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichawa zvokudya zvenyu.

2
01/30.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 30 Uye kumhuka dzose dzapanyika neshiri dzose dzedenga nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvose zvinofema, ndinozvipa miriwo minyoro kuti zvive zvokudya zvazvo: Uye zvakaita saizvozvo.
\v 31  Mwari akaona zvose zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.

1
01/title.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
Chitsauko 1

2
03/01.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\c 3 \v 1 \v 2 \v 3 3Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?”
 Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu, 3 asi Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.

2
03/04.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 4 \v 5 \v 6 Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo. 5 Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.”
 Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya

2
03/07.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 7 \v 8 Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo.
 Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu

3
03/09.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,3 @@
\v 9 \v 10 \v 11 Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?”
10 Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.”
11 Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?”

2
03/12.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 12 \v 13 Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.”
13 Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya

11
03/14.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,11 @@
\v 14 \v 15 Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi,
“Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose,
kupfuura mhuka dzose dzesango!
Uchafamba nedumbu rako
uye uchadya guruva
mazuva ose oupenyu hwako.
15 Uye ndichaisa ruvengo
pakati pako nomukadzi,
uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi;
achapwanya musoro wako,
uye iwe ucharuma chitsitsinho chake

5
03/16.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,5 @@
\v 16 Kumukadzi akati,
“Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana;
uchabereka vana mukurwadziwa.
Kuda kwako kuchava kumurume wako,
uye achava nesimba pamusoro pako

13
03/17.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,13 @@
\v 17 \v 18 \v 19 Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’
“Ivhu ratukwa nokuda kwako;
mukushanda kunorwadza,
uchadya zvibereko zvaro
mazuva ose oupenyu hwako.
18 Richakuberekera minzwa norukato,
uye uchadya miriwo yomusango.
19 Neziya rechiso chako
uchadya zvokudya zvako
kusvikira wadzokera kuguruva,
sezvo wakatorwa kwariri;
nokuti uri guruva,
kuguruva uchadzokera

2
03/20.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 20 \v 21 Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose.
21 Jehovha Mwari akaitira Adhamu nomukadzi wake nguo dzamatehwe uye akavafukidza

1
03/22.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 22 \v 23 \v 24 Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.â Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.  Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu.

4
05/01.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,4 @@
\c 5 \v 1 \v 2 5Iyi ndiyo rondedzero yakanyorwa yorudzi rwaAdhamu.
 
Mwari paakasika munhu akamuita nomufananidzo waMwari. 2 Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.”
Â

1
05/03.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 3 \v 4 \v 5 Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti. 4 Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama kwamakore mazana masere uye akaberekazve vamwe vanakomana navanasikana. 5 Pamwe chete, Adhamu akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matatu, uye ipapo akafa

1
05/06.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 6 \v 7 \v 8 Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi. 7 Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 8 Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa.

1
05/09.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 9 \v 10 \v 11 Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani. 10 Uye shure kwokubereka kwake Kenani, Enoshi akararama kwamakore mazana masere ane gumi namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 11 Pamwe chete, Enoshi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.

1
05/12.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 12 \v 13 \v 14 Kenani akati ararama kwamakore makumi manomwe, akabereka Maharareri. 13 Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 14 Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa.

1
05/15.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 15 \v 16 \v 17 Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi. 16 Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 17 Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.

1
05/18.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 18 \v 19 \v 20 Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki. 19 Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 20 Pamwe chete, Jaredhi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, uye ipapo akafa.

1
05/21.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 21 \v 22 \v 23 \v 24 Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera. 22 Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 23 Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu. 24 Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora.

1
05/25.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 25 \v 26 \v 27 Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki. 26 Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe namakumi masere namaviri uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 27 Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa.

1
05/28.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 28 \v 29 Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana. 29 Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha

1
05/30.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 30 \v 31 Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 31 Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa.

1
05/32.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 32 Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti

1
06/01.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\c 6 \v 1 \v 2 \v 3 6Vanhu vakati vatanga kuwanda panyika uye vanasikana vakaberekwa kwavari, 2 vanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vavanhu vakanga vakanaka, uye vakazviwanira upi zvake wavakasarudza.Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, nokuti inyama; mazuva ake achava makore zana namakumi maviri.”

1
06/04.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 4 VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana vaMwari vakapinda kuvasikana vavanhu vakaita vana navo. Vakanga vari mhare dzakare, vanhu vaiva nomukurumbira.

1
06/05.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 5 \v 6 Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. 6 Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa.

2
06/07.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 7 \v 8 Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” 8 Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha.
Â

3
06/09.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,3 @@
\v 9 \v 10 Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa.
 
Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari. 10 Noa akanga ana vanakomana vatatu vaiti: Shemu, Hamu naJafeti

1
06/11.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 11 \v 12 Zvino nyika yakanga yaora pamberi paMwari uye yakanga yazara nokurwisana. 12 Mwari akaona kuti nyika yakanga yaora sei, nokuti vanhu vose panyika vakanga vaodza nzira dzavo.

1
06/13.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 13 \v 14 \v 15 Saka Mwari akati kuna Noa, “Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika. 14 Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze. 15 Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatua, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanub uye makubhiti makumi matatuc pakukwirira kwayo.

1
06/16.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 16 \v 17 Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe cheted kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro. 17 Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara.

1
06/18.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 18 \v 19 Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri. 19 Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe.

2
06/20.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 20 \v 21 \v 22 Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu. 21 Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.”
22 Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari.

1
08/01.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\c 8 \v 1 \v 2 \v 3 8Asi Mwari akarangarira Noa nemhuka dzose dzesango nezvipfuwo zvakanga zvinaye muareka, uye akatuma mhepo pamusoro penyika, uye mvura zhinji ikaserera. 2 Zvino zvitubu zvepakadzika uye masuo amafashamu okudenga zvakanga zvazarirwa, uye mvura yakanga yaguma kunaya kubva kudenga. 3 Mvura yakaserera zvishoma nezvishoma kubva panyika. Pakupera kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yakanga yadzika

1
08/04.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 4 \v 5 uye pazuva regumi namanomwe romwedzi wechinomwe, areka yakagara pamakomo eArarati. 5 Mvura yakaramba ichiserera kusvikira pamwedzi wegumi, uye pazuva rokutanga romwedzi wegumi misoro yamakomo yakatanga kuonekwa.

1
08/06.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 6 \v 7 Shure kwamazuva makumi mana, Noa akazarura windo raakanga aita muareka, 7 uye akatuma gunguo, uye rakaramba richibhururuka kuno nokoko kusvikira mvura yapwa panyika.

1
08/08.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 8 \v 9 Ipapo akatuma njiva kuti aone kana mvura yakanga yaserera kubva pamusoro penyika. 9 Asi njiva haina kuwana nzvimbo yokumhara nokuti mvura yakanga iri pose pose; saka yakadzokera kuna Noa muareka. Akatambanudza ruoko rwake akadzorera njiva muareka maaiva.

1
08/10.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 10 \v 11 \v 12 Akarindira kwamamwezve mazuva manomwe uye akabudisazve njiva muareka. 11 Njiva yakati yadzokera kwaari panguva yamanheru, onei heyo mumuromo mayo yakaruma shizha nyoro rakatanhwa pamuorivhi! Ipapo Noa akaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika. 12 Akamirirazve kwamamwe mazuva manomwe uye akabudisazve njiva, asi panguva iyi haina kuzodzoka kwaari.

1
08/13.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 13 \v 14 Pazuva rokutanga romwedzi wokutanga wegore ramazana matanhatu nerimwe aNoa, mvura yakanga yapwa panyika. Ipapo Noa akabvisa chifukidziro cheareka akaona kuti pamusoro penyika pakanga paoma. 14 Pazuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yaoma kwazvo.

1
08/15.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 15 \v 16 \v 17 “Budai muareka, iwe nomukadzi wako navanakomana vako navakadzi vavo. 17 Budisa mhando dzose dzezvisikwa zvipenyu zvaunazvo, shiri, mhuka nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, kuitira kuti zvibereke uye zvive zvizhinji pamusoro payo

1
08/18.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 18 \v 19 Saka Noa akabuda, pamwe chete navanakomana vake nomukadzi wake uye navakadzi vavanakomana vake. 19 Mhuka dzose nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika neshiri dzose, zvinhu zvose zvinofamba panyika, zvakabuda muareka, rudzi ruchitevera rumwe.

7
08/20.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,7 @@
\v 20 \v 21 \v 22 Ipapo Noa akavakira Jehovha aritari, uye akatora dzimwe dzemhuka dzose dzakanaka neshiri dzakanaka, akabayira zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo. 21 Jehovha akanzwa kunhuhwira kwakanaka akati mumwoyo make, “Handichazotukazve nyika nokuda kwomunhu, kunyange hazvo kufunga kwomwoyo wake kwakaipa kubva pakuberekwa kwake. Uye handichazoparadzazve zvisikwa zvipenyu zvose, sezvandakaita.
22 “Kana nyika ichingovapo,
nguva dzokudyara nedzokukohwa,
kutonhora nokupisa,
zhizha nechando,
masikati nousiku
hazvingatongogumi.

1
09/01.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\c 9 \v 1 \v 2 9Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika. 2 Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai uye dzichakuvhundukai; zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa, zvakapiwa mumaoko enyu.

2
09/03.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 3 \v 4 3 Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose.
 â€œAsi hamufaniri kudya nyama, ropa rayo roupenyu richiri mairi

6
09/05.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,6 @@
\v 5 \v 6 \v 7 Uye zvirokwazvo ndichatsvaka kuti muzvidavirire nokuda kweropa roupenyu hwenyu. Ndichatsvaka kuti muzvidavirire pamhuka dzose. Uye kubvawo pamunhu mumwe nomumwe, ndichatsvaka kuti azvidavirire nokuda kwoupenyu hwomunhu wokwake.
 â€œAni naani anoteura ropa romunhu,
ropa rake richateurwawo nomunhu;
nokuti nomufananidzo waMwari,
Mwari akaita munhu.
 Kana murimi, berekanai muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.”

1
09/08.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 8 \v 9 \v 10 Ipapo Mwari akati kuna Noa navanakomana vaaiva navo, 9 “Zvino ndava kusimbisa sungano yangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera, 10 uye nezvisikwa zvipenyu zvose zvakanga zvinewe, shiri, zvipfuwo nemhuka dzose dzesango, dzose dziya dzakabuda newe muareka, zvisikwa zvipenyu zvose zviri panyika.

2
09/11.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 11 \v 12 \v 13 Ndiri kusimbisa sungano yangu newe: Zvipenyu zvose hazvichatongoparadzwizve nemvura yamafashamu; hakuchatongovizve namafashamu okuti aparadze nyika.”
12 Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya: 13 Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.

1
09/14.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 14 \v 15 Pose pandinouyisa makore pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore, 15 ndicharangarira sungano yangu pakati pangu nemi nezvisikwa zvipenyu zvose zvamarudzi ose. Mvura haingatongoitizve mafashamu kuti iparadze zvipenyu zvose.

2
09/16.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 16 \v 17 Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.”
17 Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.”

1
09/18.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 18 \v 19 Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.) 19 Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika.

1
09/20.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 20 \v 21 Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa. 21 Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake.

1
09/22.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 22 \v 23 Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza mukoma wake nomununʼuna vake vaiva panze. 23 Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo.

2
09/24.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 24 \v 25 Noa akati amuka kubva pawaini yake uye akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku, 25 akati,
“Kenani ngaatukwe! Achava muranda wavaranda kuvakuru vake

6
09/26.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,6 @@
\v 26 \v 27 Akatiwo,
“Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu!
Kenani ngaave muranda waShemu.
27 Mwari ngaakurise nyika yaJafeti;
Jafeti ngaagare mumatende aShemu,
uye Kenani ngaave muranda wake.

1
09/28.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 28 \v 29 Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu. 29 Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa.

2
10/01.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\c 10 \v 1 10Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu, Hamu naJafeti, vana vaNoa, avo vakaitawo vanakomana mushure mamafashamu.
VaJafeti

7
10/02.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,7 @@
\v 2 \v 3 \v 4 \v 5 Vanakomana vaJafeti vanoti:
Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Jubhari, Mesheki naTirasi.
 Vanakomana vaGomeri vanoti:
Ashikenazi, Rifati naTogarima.
 Vanakomana vaJavhani vanoti:
Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhanimi. 5 (Kubva kwavari ivava vanhu vomumahombekombe egungwa vakapararira munyika dzavo, nedzimba dzavo pakati pendudzi dzavo, rudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.)
VaHamu

6
10/06.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,6 @@
\v 6 \v 7 Vanakomana vaHamu vanoti:
Kushi, Miziraimi, Puti naKenani.
 Vanakomana vaKushi vanoti:
Sebha, Havhira, Sabhata, Rama naSabhiteka.
Vanakomana vaRaama vanoti:
Shebha naDhedhani.

1
10/08.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 8 \v 9 \v 10 Kushi akanga ari baba vaNimurodhi, uyo akanga ari murwi ane simba panyika. 9 Akanga ari muvhimi mukuru pamberi paJehovha; ndokusaka zvichinzi, “SaNimirodhi, muvhimi mukuru pamberi paJehovha.” 10 Maguta okutanga oumambo hwake akanga ari Bhabhironi, Ereki, Akadhi neKarine, munyika yeShinari

3
10/11.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,3 @@
\v 11 \v 12 \v 13 \v 14 Achibva munyika iyoyo akaenda kuAsiria, uko kwaakandovaka Ninevhe, Rehobhoti Iri, neKara 12 neReseni, riri pakati peNinevhe neKara; rinova ndiro guta guru.
13 Miziraimi akanga ari baba veava:
vaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi, 14 vaPaturusi, vaKasiruhi (kunova ndiko kwakabva vaFiristia) navaKafitori.

3
10/15.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,3 @@
\v 15 \v 16 \v 17 \v 18 Kenani akanga ari baba veava:
Sidhoni dangwe rake, navaHiti, 16 vaJebhusi, vaAmori, vaGirigashi, 17 vaHivhi, vaAriki, vaSini, 18 vaAvhadhi, vaZemari navaHamati.
(Shure kwaizvozvo dzimba dzavaKenani dzakapararira,

3
10/19.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,3 @@
\v 19 \v 20 uye miganhu yavaKenani yakasvika kuSidhoni yakananga kuGerari kusvikira kuGaza, uyezve yakananga kuSodhomu, Gomora, Adhima neZebhoimi, kusvikira kuRasha.)
20 Ava ndivo vanakomana vaHamu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.
VaShemi

5
10/21.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,5 @@
\v 21 \v 22 \v 23 Shemu akaberekerwawo vanakomana, mukoma wake akanga ari Jafeti; Shemu akanga ari tateguru wavanakomana vose vaEbheri.
22 Vanakomana vaShemu vaiti:
Eramu, Ashuri, Afakisadhi, Rudhi naAramu.
23 Vanakomana vaAramu vaiti:
Uzi, Huri, Geteri naMesheki.

4
10/24.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,4 @@
\v 24 \v 25 Afakisadhi akanga ari baba vaShera,
uye Shera ari baba vaEbheri.
25 Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri:
Mumwe ainzi Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romununʼuna wake rainzi Jokitani.

2
10/26.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 26 \v 27 \v 28 \v 29 Jokitani akanga ari baba veava vanoti:
Arimodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera, 27 Hadhoramu, Uzari, Dhikira, 28 Obhari, Abhimaeri, Shebha, 29 Ofiri, Havhira naJobhabhi. Vose ava vakanga vari vanakomana vaJokitani.

2
10/30.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 30 \v 31 Dunhu ravaigara raibvira kuMesha rakananga kuSefari, kunyika yezvikomo yokumabvazuva.)
31 Ava ndivo vanakomana vaShemu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.

1
10/32.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 32 Idzi ndidzo dzimba dzavanakomana vaNoa maererano nezvizvarwa zvavo, pakati pendudzi dzavo. Kubva kuna ava ndudzi dzakapararira pamusoro penyika shure kwamafashamu.

9
12/01.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,9 @@
\c 12 \v 1 \v 2 \v 3 12Jehovha akanga ati kuna Abhurama, “Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza.
 â€œNdichakuita rudzi rukuru
uye ndichakuropafadza;
ndichaita kuti zita rako rive guru,
uye iwe uchava ropafadzo.
 Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza,
uye ani naani anokutuka ndichamutuka;
uye marudzi ose ari panyika
acharopafadzwa kubudikidza newe.

1
12/04.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 4 \v 5 Saka Abhurama akabva, sezvaakanga audzwa naJehovha; uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga ava namakore makumi manomwe namashanu okuberekwa paakasimuka kubva paHarani. 5 Akatora mukadzi wake Sarai, mwanakomana womununʼuna wake Roti, pfuma yose yavakanga vava nayo, navanhu vavakanga vawana muHarani, uye vakasimuka vakaenda kunyika yeKenani, uye vakasvika ikoko.

1
12/06.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 6 \v 7 Abhurama akafamba nomunyika kusvikira panzvimbo yomuti mukuru weMore paShekemu. Panguva iyoyo vaKenani vakanga vari munyika. 7 Jehovha akazviratidza kuna Abhurama akati, “Ndichapa nyika iyi kuvana vako.” Saka akavakira Jehovha aritari ipapo, iye akanga azviratidza kwaari.

2
12/08.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 8 \v 9 Kubva ipapo akaenda mberi akananga kuzvikomo zviri kumabvazuva kweBheteri uye akadzika tende rake ikoko, Bheteri riri kumavirira uye Ai riri kumabvazuva. Akavakira Jehovha aritari ipapo uye akadana kuzita raJehovha. 9 Uye Abhurama akasimuka akaenda mberi akananga kuNegevhi.
Abhurama muIjipiti

1
12/10.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 10 \v 11 \v 12 \v 13 Zvino nzara yakanga iripo panyika, uye Abhurama akaburuka akaenda kuIjipiti kuti andogara ikoko kwechinguva nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo. 11 Paakanga oda kupinda muIjipiti, akati kumukadzi wake, Sarai, “Ndinoziva kuti uri mukadzi akanakisa. 12 Pauchaonekwa navaIjipita, vachati, ‘Uyu ndiye mukadzi wake.’ Ipapo vachandiuraya asi iwe vachakurega uri mupenyu. 13 Saka uti uri hanzvadzi yangu, kuti ndigobatwa zvakanaka nokuda kwako uye upenyu hwangu hucharwirwa nokuda kwako.”

1
12/14.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 14 \v 15 \v 16 Abhurama akati asvika kuIjipiti, vaIjipita vakaona kuti akanga ane mukadzi akanaka kwazvo. 15 Uye machinda aFaro vakati vamuona, vakandomurumbidza kuna Faro, uye vakabva vamutora vakamupinza mumuzinda wake. 16 Akabata Abhurama zvakanaka nokuda kwake, uye Abhurama akava namakwai nemombe, makono embongoro namakadzi, varandarume navarandakadzi uye nengamera.

1
12/17.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 17 \v 18 \v 19 \v 20 Asi Jehovha akatambudza Faro neveimba yake nehosha yakaipisisa nokuda kwaSarai mukadzi waAbhurama. 18 Saka Faro akadana Abhurama akati, “Waiteiko kwandiri? Wakaregereiko kundiudza kuti uyu mukadzi wako? 19 Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu,’ nokudaro ndakamutora kuti ave mukadzi wangu? Naizvozvo zvino, hoyu mukadzi wako. Mutore uende!” 20 Ipapo Faro akarayira varanda vake pamusoro paAbhurama, vakamurega achienda nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo.

1
14/01.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\c 14 \v 1 \v 2 14Panguva iyoyo Amuraferi mambo weShinari, Arioki mambo weErasa, Kedhoraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoyimi 2 vakaenda kundorwa naBhera mambo weSodhomu, Bhirisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhima, Shemebheri mambo weZebhoimi, uye namambo weBhera (ndiro Zoari).

2
14/03.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 3 \v 4 \v 5 \v 6 Madzimambo ose aya akabatana pakurwa muMupata weSidhimi (ndiro Gungwa roMunyu). 4 Vakanga vari varanda vaKedhoraomeri kwamakore gumi namaviri, asi vakamumukira mugore regumi namatatu.
 Mugore regumi namana, Kedhoraomeri namadzimambo ainzwanana naye vakabuda vakandokunda vaRefaiti muAshiteroti Kanaimi, ivo vaZuzi muHamu, vaEmi muShavhe Kiriataimi 6 navaHori munyika yezvikomo yeSeiri, kusvikira kuEri Parani pedyo negwenga.

2
14/07.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 7 \v 8 \v 9 Ipapo vakadzokera vakaenda kuEni Mishipati (ndiro Kadheshi), uye vakakunda nyika yose yavaAmareki, pamwe chete navaAmori vakanga vachigara muHazazoni Tamari.
 Ipapo mambo weSodhomu, mambo weGomora, mambo weAdhima, mambo weZebhoimi namambo weBhera (ndiro, Saori) vakabuda vakamira panzvimbo yavo yehondo muMupata weSidhimi 9 kuti varwe naKedhoraomeri mambo weEramu, Tidhari mambo weGoyimi, Amuraferi mambo weShinari naArioki mambo weErasa, madzimambo mana achirwa namadzimambo mashanu.

1
14/10.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 10 \v 11 \v 12 Zvino mupata weSidhimi wakanga uzere namakomba etara, uye madzimambo eSodhomu neGomora paakatiza, vamwe varume vakawira maari uye vakasara vakatizira kuzvikomo. 11 Madzimambo mana aya akatora pfuma yose yeSodhomu neGomora nezvokudya zvavo zvose vakaenda. 12 Vakatorawo Roti mwanakomana womununʼuna waAbhurama nepfuma yake, sezvo akanga achigara muSodhomu.

1
14/13.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 13 \v 14 Mumwe akapunyuka akauya akasvikoudza Abhurama muHebheru. Zvino Abhurama akanga achigara pedyo nemiti mikuru yaMamure muAmori, mununʼuna waEshikori naAneri, avo vose vainzwanana naAbhurama. 14 Abhurama akati anzwa kuti hama yake yakanga yatapwa, akadana varume vakanga vadzidziswa kurwa mazana matatu negumi navasere vakaberekerwa mumba make vakavatevera kusvikira paDhani.

1
14/15.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 15 \v 16 Abhurama akapatsanura vanhu vake panguva dzousiku kuti vandovarwisa, uye vakavakunda, vakavatevera kusvikira paHobhabhi, kumusoro kweDhamasiko. 16 Akadzosa zvinhu zvose uye akadzosawo hama yake Roti nepfuma yake, pamwe chete navakadzi navamwe vanhu.

2
14/17.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 17 \v 18 Shure kwokudzoka kwaAbhurama akunda Kedhoraomeri namadzimambo akanga abatana naye, mambo weSodhomu akabuda kuti azosangana naye muMupata weShavhe (ndiwo Mupata waMambo).
18 Ipapo Merikizedheki mambo weSaremu akamuvigira chingwa newaini. Akanga ari muprista waMwari Wokumusoro-soro,

6
14/19.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,6 @@
\v 19 \v 20 uye akaropafadza Abhurama, achiti,
“Abhurama ngaaropafadzwe naMwari Wokumusoro-soro,
Musiki wedenga napasi.
20 Uye Mwari Wokumusoro-soro ngaakudzwe,
akaisa vavengi vako muruoko rwako.”
Ipapo Abhurama akamupa chegumi chezvinhu zvose.

2
14/21.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 21 \v 22 \v 23 \v 24 Mambo weSodhomu akati kuna Abhurama, “Ndipe vanhu uzvichengetere hako pfuma.”
22 Asi Abhurama akati kuna mambo weSodhomu, “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi, uye ndakaita mhiko 23 kuti handizogamuchiri chinhu chako, kunyange rushinda kana rukanda rweshangu, kuti urege kuzoti, ‘Ndakapfumisa Abhurama.’ 24 Handina chinhu chandinogamuchira kunze kwezvakadyiwa navanhu vangu uye mugove wavanhu vakaenda neni, Aneri, Shikori naMamure. Ngavatore mugove wavo ivavo.”

3
16/01.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,3 @@
\c 16 \v 1 \v 2 \v 3 \v 4 16Zvino Sarai, mukadzi waAbhurama, akanga asina kumuberekera vana. Asi iye akanga ano murandakadzi wechiIjipita ainzi Hagari; 2 saka akati kuna Abhurama, “Jehovha akandikonesa kubereka vana. Enda hako undovata nomurandakadzi wangu; zvimwe ndingaita mhuri kubudikidza naye.”
Abhurama akabvuma zvakanga zvataurwa naSarai. 3 Saka shure kwokugara kwaAbhurama kwamakore gumi muKenani, Sarai mukadzi wake akatora Hagari murandakadzi wake wechiIjipita akamupa kumurume wake kuti ave mukadzi wake. 4 Akavata naHagari uye Hagari akabata pamuviri.
Paakaziva kuti akanga ava napamuviri, akatanga kuzvidza tenzikadzi wake.

2
16/05.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 5 \v 6 Ipapo Sarai akati kuna Abhurama, “Ndiwe waita kuti nditambudzike. Ndakaisa murandakadzi wangu mumaoko ako, uye zvino zvaava kuziva kuti ava napamuviri, ava kundizvidza. Mwari ngaatonge pakati pangu newe.”
 Abhurama akati, “Murandakadzi wako ari mumaoko ako. Ita naye zvaunofunga kuti zvakaisvonaka.” Ipapo Sarai akabata Hagari zvakaipa; saka akatiza.

2
16/07.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 7 \v 8 Mutumwa waJehovha akawana Hagari ari pedyo netsime raiva murenje; rakanga riri tsime rakanga riri parutivi pomugwagwa unoenda kuShuri. 8 Uye akati, “Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko, uye uri kuendepiko?”
Iye akati, “Ndiri kutiza kubva kuna tenzikadzi wangu Sarai

1
16/09.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 9 \v 10 Ipapo mutumwa waJehovha akati kwaari, “Dzokera kuna tenzikadzi wako undozvininipisa pasi pake.” 10 Mutumwa akatizve, “Ndichawandisa zvizvarwa zvako zvokuti havangaverengeki

Some files were not shown because too many files have changed in this diff Show More