twx_est_text_reg/05/09.txt

1 line
481 B
Plaintext

\v 9 Ipapo Hamani akaenda nezuva iro achifara, ano moyo muchena; \v 10 asi Hamani akati achiona Modhekai pasuo ramambo, kuti akaramba kumusimukira, kana kumutya, akasvotwa kwazvo pamusoro paModhekai. \v 11 Asi Hamani akazvidzora hake akaenda kumusha; akatuma munhu kuzodana shamwari dzake nomukadzi wake Zereshi. \p Hamani akavarondedzera kubwinya kwefuma yake, nokuwanda kwavana vake, namakudzirwo aakaitwa namambo, namapfuudzirwo ake ave mukuru kumachinda navaranda vose vamambo.