\v 4 Wokutanga wanga wakatingana mhondoro, uye wanga uno mandhenga otchikodzi. Inini ndainangisa, dzamara madhenga akwatchurwa; uye kakumutswa manyika; kakuimiswa tingana munhu, wakapaswa mwoyo womunhu. \v 5 Uye tchinyama tchochipiri, tchakatodzana nebere. yakamukira diirimwe, yanga akaruma mbabvu nhatu mumuro yawo; yakabvunzwa kuti: Muka urye nyamayako ugute.