\v 7 Kumbirai, mutchapasiwa; tswagayi, munzviwona; gogodzai, muvhuliliwa. \v 8 Nakuti mubhodzi namubhodzi ankumbira amphasiwa; unotswaga awana; unogogodza umhvuliliwa. \v 9 Munhu mbani kunaimipa, kana mwana nhulume watche akakumbira tchigwa, ungamupase libwe; \v 10 Kana akakumbira howe, ungamupase nhoka;