\v 33 Ipapo iye akawona umwe murume anonzi Eniasi, akanga ane makore masere aripamubheda nekuti akanga arichirema. \v 34 Petro akamuti: Eniasi, Jesu Kristu ngakuporese; simuka utakure nhoo yako. \v 35 Pakarepo akasimuka. Wese wagare weRida ne weSharoni wakauya wakatendeuka munaIshe.