ndc_rom_text_reg/11/01.txt

1 line
431 B
Plaintext

\c 11 \v 1 Zvino ndinoti: Mwari wakarasha vanhu vake here? Haiwa! Nokuti neni vo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBenjanimi. \v 2 Mwari haana kurasha vanhu vake vaakaziva pakutanga. hamuzii kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMwari pamusoro pavaIsraeri, achiti: \v 3 Ishe, vakavuraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotswaka kundivuraya.