ndc_rom_text_reg/04/11.txt

1 line
367 B
Plaintext

\v 11 wakapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kokutenda, kwaakanga ana'ko asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama. \v 12 Ave baba vokudzingiswa kunaivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambavo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.