Thu Feb 29 2024 16:03:52 GMT+0000 (Western European Standard Time)

This commit is contained in:
Itai_Viegas 2024-02-29 16:03:53 +00:00
parent b9ea5f5725
commit 546c327de9
4 changed files with 5 additions and 0 deletions

1
17/17.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 17 \v 18 Abhurahama akawira pasi nechiso chake, akaseka uye akati mumwoyo make, “Ko, mwanakomana angaberekwa nomunhu ava namakore zana okuberekwa here? Ko, Sara angabereka mwana iye ava namakore makumi mapfumbamwe here?” 18 Uye Abhurahama akati kuna Mwari, “Dai hazvo Ishumaeri agara hake pamaropafadzo enyu!

1
17/19.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 19 \v 20 \v 21 Ipapo Mwari akati, “Hongu, asi mukadzi wako Sara achakuberekera mwanakomana, uye uchamutumidza kuti Isaka. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi yezvizvarwa zvake zvinomutevera. 20 Uye kana ari Ishumaeri, ndakanzwa: Ndichamuropafadza zvirokwazvo, ndichamuita kuti ave navana vazhinji uye ndichaita kuti vawande kwazvo. Achava baba wavatongi gumi navaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru. 21 Asi ndichasimbisa sungano yangu naIsaka, uyo achaberekerwa iwe naSara nenguva ino gore rinouya.”

2
17/22.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1,2 @@
\v 22 \v 23 Akati apedza kutaura naAbhurahama, Mwari akakwira kumusoro achibva paari.
23 Pazuva racho iroro Abhurahama akatora mwanakomana wake Ishumaeri navose vakaberekwa mumba make kana vakanga vatengwa nemari, vanhurume vose vaiva mumba make, akavadzingisa, sezvaakanga audzwa naMwari.

1
17/24.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 24 \v 25 \v 26 \v 27 Abhurahama akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa paakadzingiswa, 25 uye Ishumaeri mwanakomana wake akanga ava namakore gumi namatatu okuberekwa; 26 Abhurahama naIshumaeri mwanakomana wake vakadzingiswa vose zuva rimwe chete iroro. 27 Uye munhurume wose aiva mumba maAbhurahama, kusanganisa vaya vakaberekerwa mumba make kana vakanga vatengwa kubva kuvatorwa, vakadzingiswa pamwe chete naye.