Thu Feb 29 2024 15:01:48 GMT+0000 (Western European Standard Time)

This commit is contained in:
Itai_Viegas 2024-02-29 15:01:49 +00:00
parent dbaf349e6e
commit 203e8ba651
5 changed files with 5 additions and 0 deletions

1
05/21.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 21 \v 22 \v 23 \v 24 Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera. 22 Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 23 Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu. 24 Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora.

1
05/25.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 25 \v 26 \v 27 Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki. 26 Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe namakumi masere namaviri uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 27 Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa.

1
05/28.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 28 \v 29 Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana. 29 Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha

1
05/30.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 30 \v 31 Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 31 Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa.

1
05/32.txt Normal file
View File

@ -0,0 +1 @@
\v 32 Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti