mxc-MZ-chimanika_2co_text_reg/03/14.txt

1 line
362 B
Plaintext

\v 14 Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu. \v 15 Kunyange kusvikira zuva ranhasi kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chinofukidza mwoyo yavo. \v 16 Asi kana munhu akatendeukira kuna She chete, chifukidziro chinobviswa.