mxc-MZ-chimanika_2co_text_reg/03/01.txt

1 line
441 B
Plaintext

\c 3 \v 1 Tava kutangazve kuzvirumbidza here? Kana kuti tinotsvaka here, savamwe, tsamba dzinoenda kwamuri kana dzinobva kwamuri dzinotirumbidza? \v 2 Imi pachenyu ndimi tsamba yedu, yakanyora pamwoyo yedu, inozivikanwa uye inoverengwa navanhu vose. \v 3 Munoonekwa kuti muri tsamba yakabva kuna Kristu, basa roushumiri hwedu, yakanyorwa, kwete neingi, asi noMweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa emwoyo yavanhu.