Wed Dec 06 2023 15:57:19 GMT+0200 (South Africa Standard Time)
This commit is contained in:
parent
33d7999d14
commit
528e91138a
|
@ -0,0 +1 @@
|
|||
\c 7 \v 1 Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari,
|
|
@ -0,0 +1,5 @@
|
|||
\v 2 \v 3 \v 4 2 Tigadzirireiwo nzvimbo mumwoyo yenyu. Hatina munhu watakatadzira, hatina munhu watakanyengera, hatina munhu watakaitira zvisakarurama.
|
||||
|
||||
3 Handitauri izvi kuti ndikupei mhosva; ndakambotaura kare kuti imi muri mumwoyo yedu zvokuti tingagona kurarama kana kufa pamwe chete nemi.
|
||||
|
||||
4 Ndinovimba nemi zvikuru; ndinozvirumbidza zvikuru nokuda kwenyu. Ndinokurudzirwa zvikuru; mumatambudziko edu ose mufaro wangu hauna magumo.
|
|
@ -0,0 +1,5 @@
|
|||
\v 5 \v 6 \v 7 5 Nokuti patakasvika kuMasedhonia, muviri wedu uyu hauna kuwana zororo, asi takatambudzwa kumativi ose, zvaiti kukakavara kunze, nokutya nechomukati.
|
||||
|
||||
6 Asi Mwari anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza pakauya Tito,
|
||||
|
||||
7 kwete nokuda kwokuuya kwake bedzi, asiwo nokuda kwokunyaradza kwamakamupa. Akatiudza nezvokundishuva kwenyu, kusuwa kwenyu kukuru, nokuva nehanya kwenyu pamusoro pangu, saka mufaro wangu wakava mukuru kwazvo.
|
|
@ -0,0 +1,5 @@
|
|||
\v 8 \v 9 \v 10 8 Kunyange zvazvo ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidembi nokuda kwaizvozvo. Kunyange zvangu ndakazvidemba, ndinoona kuti tsamba yangu yakakurwadzai, asi kwenguva duku chete,
|
||||
|
||||
9 asi zvino ndinofara, kwete nokuti makachema, asi nokuti kusuwa kwenyu kwakaita kuti mutendeuke. Nokuti makava nokusuwa kukuru sezvaidiwa naMwari uye nokudaro hamuna kukuvadzwa nesu nenzira ipi zvayo.
|
||||
|
||||
10 Nokuti kusuwa kwoumwari kunouyisa kutendeuka uko kunotungamirira kuruponeso uye hakuuyisi kudemba, asi kusuwa kwenyika kunouyisa rufu.
|
Loading…
Reference in New Issue