\v 4 Tinoziwa, hama dzadiwa na Mwari, kuti naye wakatsarwa, \v 5 nekuti vangeri yedu aina kusvika kwamuri iri shoko bedzi, asi nesimba, ne Mweya Mutswene, uye nechokwadi; munoziwa takanga tiripakati penyu kuti mukabatsirika.