mxc-MZ-chimanika_1pe_text_reg/05/05.txt

1 line
360 B
Plaintext

\v 5 Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa. \v 6 Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira. \v 7 Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.