mxc-MZ-chimanika_1pe_text_reg/05/01.txt

1 line
549 B
Plaintext

\c 5 \v 1 Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti: \v 2 Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda; \v 3 musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka. \v 4 Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori.