mxc-MZ-chimanika_1pe_text_reg/03/18.txt

1 line
406 B
Plaintext

\v 18 Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya, \v 19 nawo akaendawo akandoparidza kumweya yakanga iri mutorongo, \v 20 yakaramba kuteerera kare Mwari paakanga akamirira nomwoyo murefu mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa. Mairi, vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura.