\c 7 \v 1 Zwino pamusoro pezwamakanyora: "Zwakanaka kuti murume asabate mukadzi". \v 2 Asi nekuda kwe ufewe, murume umwe neumwe anofanira kuwa nemukadzi wake, uye mukadzi umwe neumwe anofanira kuwa nemurume wake.