mxc-MZ-chimanika_1co_text_reg/14/07.txt

1 line
400 B
Plaintext

\v 7 Kunyangwe zvinhu zvisina wupenyu zvinorira, kana irinyere, kana rundibwa kana zvisingasiani pakurira kwazvo zvingaziwikanwa seiko, zvinoridzwa nenyere kana rudimbwa? \v 8 Kana wamanda isingariri zvikuru, ndiani ungazvigadzira kondorwa? \v 9 Zvakadarowo nemiwo: Kana musingatauri nerurimi rinonatsakuziwikanwa, zvinotaurwa zvichizikana seiko? Nekuti Imi muchataura henyu asi apana anokuswisisai.