\v 16 Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: ''Ena Mwari wakakombidzwa panyama, akacheneswa pamweya, akavonekwa nevatumwa, akaparidzwa pakati pevahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukugwinya''.